Pisarema 101
Pisarema raDhavhidhi.
Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu;
kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.
Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa.
Muchauya riniko kwandiri?
 
Ndichafamba mumba mangu
nomwoyo usina chaungapomerwa.
Handingaisi chinhu chakaipa
pamberi pangu.
 
Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi;
haanganamatiri kwandiri.
Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni;
handichazovi nechokuita nechakaipa.
 
Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda,
iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare;
ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza,
iyeye handingamuregi akadaro.
 
Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika,
kuti vagare neni;
iye ane mafambiro asina chaangapomerwa,
achandishumira.
 
Hakuna munhu anonyengera
achagara mumba mangu;
hakuna munhu anotaura nhema
achamira pamberi pangu.
 
Mangwanani oga oga ndichaita kuti
vakaipa vose vari panyika vanyarare;
ndichauraya vaiti vezvakaipa vose,
vabve muguta raJehovha.