Pisarema 102
Munyengetero womunhu anotambudzika. Paanenge aziya uye odurura kuchema kwake pamberi paJehovha.
Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha;
kuchemera kwangu rubatsiro ngakusvike kwamuri.
Regai kundivanzira chiso chenyu
pandinenge ndichitambudzika.
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri;
pandinokudanai, ndipindurei nokukurumidza.
 
Nokuti mazuva angu anopera soutsi;
mapfupa angu anopisa samazimbe anopfuta.
Mwoyo wangu warohwa uye waoma souswa;
ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.
Nokuda kwokugomera kwangu
kukuru ndaonda zvokuti ganda rangu ranamatira pamapfupa.
Ndafanana nezizi romugwenga,
sezizi riri pakati pamatongo.
Ndinovata ndakasvinura,
ndava seshiri iri yoga pamusoro pedenga remba.
Zuva rose vavengi vangu vanondishungurudza;
avo vanondipengera vanoshandisa zita rangu sechituko.
Nokuti ndinodya madota sechokudya changu,
uye ndinovhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi,
10 nokuda kwehasha dzenyu huru,
nokuti makandisimudza mukandikanda parutivi.
11 Mazuva angu akaita somumvuri wamadekwana;
ndinosvava souswa.
 
12 Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi;
mukurumbira wenyu uripo kusvikira kuzvizvarwa zvose.
13 Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi,
nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha;
nguva yakatarwa yasvika.
14 Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu;
guruva raro chairo rinovaendesa kugomba.
15 Ndudzi dzichatya zita raJehovha,
madzimambo ose enyika achatya kubwinya kwenyu.
16 Nokuti Jehovha achavakazve Zioni,
agozviratidza pakubwinya kwake.
17 Achadavira minyengetero yavanotambura;
haangazvidzi chikumbiro chavo.
 
18 Izvi ngazvinyorerwe zvizvarwa zvamangwana,
kuti vanhu vasati vasikwa vagorumbidza Jehovha vachiti,
19 “Jehovha akatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira,
ari kudenga akacherechedza pasi,
20 kuti anzwe kugomera kwavasungwa
agosunungura avo vakatongerwa rufu.”
21 Saka zita raJehovha richaparidzwa muZioni,
nokurumbidzwa kwake muJerusarema,
22 panoungana marudzi noushe
kuti vanamate Jehovha.
 
23 Panguva youpenyu hwangu akatapudza simba rangu;
akaita kuti mazuva angu ave mashoma.
24 Saka ndakati,
“Regai kundibvisa, imi Mwari wangu, pakati pamazuva angu;
makore enyu anoramba aripo kusvikira kuzvizvarwa zvose.
25 Pamavambo makateya nheyo dzenyika,
uye matenga ibasa basa ramaoko enyu.
26 Izvo zvichaparara, asi imi munogara muripo;
zvose zvichasakara senguo. Senguo muchavabvisa uye vacharaswa.
27 Asi imi mucharamba makadaro,
uye makore enyu haatongogumi.
28 Vana vavaranda venyu vachagara pamberi penyu;
zvizvarwa zvavo zvichasimbiswa pamberi penyu.”