Pisarema 120
Rwiyo rworwendo.
Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu,
uye anondipindura.
Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema,
nendimi dzinonyengera.
 
Achaiteiko kwauri,
uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera?
Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare,
namazimbe anopfuta omuti womurara.
 
Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki,
kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari!
Ndakagara nguva refu
pakati pavanovenga rugare.
Ndiri munhu worugare;
asi pandinotaura, ivo ndevehondo.