Pisarema 121
Rwiyo rworwendo.
Ndinosimudzira meso angu kumakomo,
kubatsirwa kwangu kunobvepiko?
Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,
muiti wokudenga napasi.
 
Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,
muchengeti wako haangakotsiri;
zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri
haangakotsiri kana kuvata.
 
Jehovha anokurinda,
Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;
zuva haringakubayi masikati,
kana mwedzi usiku.
 
Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,
iye acharinda upenyu hwako;
Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,
kubva zvino uye nokusingaperi.