Pisarema 124
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.
Israeri ngaati
dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu,
dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu
patakarwiswa navanhu,
apo kutsamwa kwavo kwakatimukira,
vangadai vakatimedza tiri vapenyu;
mafashamu angadai akatifukidza,
mvura zhinji ingadai yakatikukura,
mvura zhinji ine hasha
ingadai yakatirasira kure.
 
Jehovha ngaarumbidzwe,
asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.
Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi;
rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.
Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha,
Muiti wedenga nenyika.