Pisarema 125
Rwiyo rworwendo.
Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni,
risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.
Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo,
saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake
kubva zvino nokusingaperi.
 
Tsvimbo yavasakarurama haingagari
pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama,
nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira
maoko avo kuita zvakaipa.
 
Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka,
kuna avo vane mwoyo yakarurama.
Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama,
Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa.
 
Rugare ngaruve pana Israeri.