Pisarema 131
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.
Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi,
meso angu haana manyawi;
handina hanya nezvinhu zvikuru
kana zvinhu zvinonyanya kushamisa.
Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu;
somwana akarumurwa namai vake,
somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.
 
Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha,
kubva zvino nokusingaperi.