Pisarema 130
Rwiyo rworwendo.
Ndinodanidzira kwamuri Jehovha,
ndiri pakadzika;
haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.
Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.
 
Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu,
haiwa Jehovha, ndianiko aimira?
Asi kwamuri kune kukanganwira;
naizvozvo imi munotyiwa.
 
Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira,
uye tariro yangu iri mushoko rake.
Mweya wangu unorindira Ishe
kupfuura varindi
vanomirira rungwanani.
 
Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha,
nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi
uye kwaari kune dzikinuro izere.
Iye pachake achadzikinura Israeri
kubva pazvivi zvavo zvose.