Pisarema 14
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
Benzi rinoti mumwoyo maro,
“Hakuna Mwari.”
Vakaora, mabasa avo akashata;
hakuna anoita zvakanaka.
 
Jehovha ari kudenga anotarira pasi
pamusoro pavanakomana vavanhu,
kuti aone kana aripo anonzwisisa,
naani zvake anotsvaka Mwari.
Vose vakatsauka,
vose pamwe chete vakasvibiswa;
hakuna anoita zvakanaka,
kunyange nomumwe.
 
Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here,
ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,
uye vasingadani kuna Jehovha?
Pavari ipapo, vakazara nokutya,
nokuti Mwari ari paungano yavakarurama.
Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo,
asi Jehovha ndiye utiziro hwavo.
 
Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni!
Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake,
Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.