Pisarema 15
Pisarema raDhavhidhi.
Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene?
Ndiani angagara pagomo renyu dzvene?
 
Iye anofamba asina chaanopomerwa uye
anoita zvakarurama,
anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,
uye asina makuhwa parurimi rwake,
asingaitiri wokwake zvakaipa
uye asingatuki waagere naye,
anozvidza munhu akaipa
asi anokudza vaya vanotya Jehovha,
anochengeta mhiko yake
kunyange kana zvichirwadza,
anokweretesa mari yake asingarevi mhindu
uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva.
 
Munhu anoita izvi
haangatongozungunuswi.