Pisarema 140
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa;
ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba.
Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo,
uye vanomutsa hondo mazuva ose.
Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka;
uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo.
Sera
 
Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa;
ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba
vanoronga kupinga tsoka dzangu.
Vanhu vanozvikudza vakandivanzira misungo;
vakatambanudza mabote emimbure yavo
uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo.
Sera
 
Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.”
Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu.
Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba,
anofukidza musoro wangu pazuva rehondo,
regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha;
musarega urongwa hwavo huchibudirira,
kuti varege kuzvikudza.
Sera
 
Misoro yaavo vakandipoteredza
ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.
10 Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo;
ngavakandwe mumoto,
mumakomba amatope, vasambomukazve.
11 Vane makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika;
njodzi ngaivhime vanhu vanoita zvinhu nechisimba.
 
12 Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo,
uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.
13 Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu,
uye vakarurama vachagara pamberi penyu.