Pisarema 141
Pisarema raDhavhidhi.
Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri.
Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.
Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira;
kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.
 
Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha;
chengetai mukova wemiromo yangu.
Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa,
kuti ndiitewo mabasa akaipa
navanhu vanoita zvakaipa;
ngandirege kudya zvinozipa zvavo.
 
Akarurama ngaandirove, ndidzo tsitsi;
ngaanditsiure, ndiwo mafuta pamusoro wangu.
Musoro wangu hauzorambi izvozvo.
 
Asi munyengetero wangu unorwisa mabasa avaiti vezvakaipa nguva dzose.
Vatongi vavo vachakandwa kumawere,
uye vakaipa vachadzidza kuti mashoko angu akanga akanaka kwazvo.
Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi,
saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.”
 
Asi meso angu anotarira kwamuri, imi Ishe Jehovha;
ndinotizira kwamuri, regai kundiisa kurufu.
Ndichengetei pamisungo yavakanditeya nayo,
napaugombe hwakadzikwa navaiti vezvakaipa.
10 Vakaipa ngavawire mumimbure yavo,
ini ndichipfuura napo norugare.