Pisarema 144
Pisarema raDhavhidhi.
Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe,
iye anodzidzisa
maoko angu kurwa.
Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu,
shongwe yangu nomudzikinuri wangu,
nenhoo yangu uye ndinovanda maari,
iye anoisa marudzi pasi pangu.
 
Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye?
Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?
Munhu akafanana nomweya wokufema;
mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.
 
Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke;
batai makomo, kuti apfungaire utsi.
Tumirai mheni mugoparadzira vavengi;
pfurai miseve yenyu mugovapedza.
Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro;
ndirwirei uye mundinunure
kubva pamvura zhinji ine simba,
kubva mumaoko avatorwa
vane miromo izere nenhema,
maoko avo orudyi anonyengera.
 
Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva;
ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi,
10 iye anopa kukunda kumadzimambo,
anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.
 
11 Ndirwirei uye mundinunure
kubva pamaoko avatorwa,
vane miromo izere nenhema,
vane maoko orudyi anonyengera.
 
12 Ipapo vanakomana vedu pauduku
hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka,
uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa
kuti dzishongedze muzinda wamambo.
13 Matura edu achazadzwa
nemhando dzose dzezviyo.
Makwai edu achawanda nezviuru,
nezviuru gumi mumafuro edu;
14 nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema.
Hapachazova nokuputswa kwamasvingo,
hapachazova nokuenda kuutapwa,
hapachazova nokuchema nenhamo, munzira dzedu dzomumisha.
 
15 Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi;
vakaropafadzwa vanhu avo vana Jehovha Mwari wavo.