Pisarema 143
Pisarema raDhavhidhi.
Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu,
ndinzwirei ngoni pakuchema kwangu;
uyai mundisunungure nokutendeka
uye nokururama kwenyu.
Musauyisa muranda wenyu mukutongwa,
nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.
 
Muvengi anondidzinganisa,
anondirovera pasi;
anondiita kuti ndigare murima
savaya vakafa kare.
Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu;
mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.
 
Ndinorangarira mazuva akare kare;
ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,
uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.
Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;
mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma.
Sera
 
Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura;
mweya wangu woziya.
Regai kundivanzira chiso chenyu
nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.
Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi,
nokuti ndinovimba nemi.
Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo,
nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha,
nokuti ndinozvivanza mamuri.
10 Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,
nokuti muri Mwari wangu;
mweya wenyu wakanaka
ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.
 
11 Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu;
ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.
12 Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi;
paradzai vavengi vangu vose,
nokuti ndiri muranda wenyu.