Pisarema 27
Pisarema raDhavhidhi.
Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,
ndichagotya aniko?
Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,
ndianiko wandingatya?
 
Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri
kuzodya nyama yangu,
vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa,
vanogumburwa ndokuwa.
Kunyange hondo ikandikomba,
mwoyo wangu haungazotyi;
kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa,
ipapo ndichavimba naJehovha.
 
Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,
ndicho chandinotsvaka:
kuti ndigare mumba maJehovha
mazuva ose oupenyu hwangu,
kuti nditarire kunaka kwaJehovha
uye ndimutsvake mutemberi yake.
Nokuti zuva rokutambudzika
achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara;
achandiviga mudumba retabhenakeri yake,
agondikwidza pamusoro pedombo.
 
Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa
pamusoro pavavengi vakandipoteredza;
ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru;
ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.
 
Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha;
ndinzwirei ngoni mugondipindura.
Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!”
Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.
Regai kundivanzira chiso chenyu,
musadzinga muranda wenyu mukutsamwa;
makanga muri mubatsiri wangu.
Regai kundiramba kana kundisiya,
imi Mwari Muponesi wangu.
10 Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya,
Jehovha achandigamuchira.
11 Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha;
ndisesedzei munzira yakarurama
nokuda kwavamanikidzi vangu.
12 Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu,
nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira,
vachifemedzeka nehasha.
 
13 Ndichine chokwadi neizvi zvokuti:
ndichaona kunaka kwaJehovha
munyika yavapenyu.
14 Rindira Jehovha;
iva nesimba,
utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.