Pisarema 28
Pisarema raDhavhidhi.
Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu;
musandinyararira.
Nokuti kana mukaramba munyerere,
ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.
Inzwai kuchemera ngoni kwangu,
sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri,
sezvo ndichisimudza maoko angu
ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.
 
Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa,
naavo vanoita zvakaipa,
vanotaura rugare navavakidzani vavo
asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.
Vatsivei pamabasa avo
napabasa ravo rakaipa,
vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo;
mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.
 
Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha
uye nezvakaitwa namaoko ake,
achavaputsira pasi
akasavavakazve.
 
Jehovha ngaarumbidzwe,
nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.
Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;
mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa.
Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro
uye ndichamuvonga nenziyo.
 
Jehovha ndiye simba ravanhu vake,
nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.
Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu;
ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.