Pisarema 34
Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake.
Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose;
kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.
Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha;
vanotambudzika ngavanzwe vafare.
Kudzai Jehovha pamwe chete neni;
ngatikudzei zita rake pamwe chete.
 
Ndakachema kuna Jehovha akandipindura;
akandisunungura pakutya kwangu kwose.
Vanotarira kwaari vanopenya;
zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.
Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa;
akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.
Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya,
uye anovasunungura.
 
Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;
akaropafadzwa munhu anovanda maari.
Ityai Jehovha, imi vatsvene vake,
nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.
10 Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara,
asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.
 
11 Uyai, vana vangu, nditeererei;
ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
12 Ani naani wenyu anoda upenyu,
uye uchida kuona mazuva akawanda,
13 dzora rurimi rwako pane zvakaipa
nemiromo yako pakureva nhema.
14 Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;
tsvaka rugare uye urutevere.
 
15 Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama
uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;
16 chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa,
kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.
 
17 Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa;
anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.
18 Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika
uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
 
19 Akarurama angava namatambudziko mazhinji,
asi Jehovha anomurwira paari ose;
20 anochengetedza mapfupa ake ose,
hakuna nerimwe rawo richavhunika.
 
21 Zvakaipa zvichauraya vakaipa;
vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.
22 Jehovha anodzikinura varanda vake;
hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.