Pisarema 35
Pisarema raDhavhidhi.
Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni;
rwisai avo vanondirwisa.
Torai nhoo huru neduku;
simukai, uye uyai mundibatsire.
Vheyesai pfumo guru nepfumo diki
murwise avo vanonditevera.
Muti kumweya wangu,
“Ndini ruponeso rwako.”
 
Vanotsvaka kundiuraya
ngavazvidzwe uye vanyadziswe;
vanorangana kuparadzwa kwangu
ngavadzoserwe shure vachitya.
Ngavaite sehundi pamberi pemhepo,
mutumwa waJehovha achivasundira kure;
nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze,
mutumwa waJehovha achivateverera.
 
Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva,
uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,
kuparadzwa ngakuvawire pakarepo,
mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo,
ngavawire mugomba ravo vaparare.
Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha,
uye uchafarira ruponeso rwake.
10 Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti:
“Ndianiko akaita semi, Jehovha?
Munonunura varombo kubva
kuna avo vane simba kupinda ravo.”
 
11 Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi;
zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi.
12 Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa,
uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira.
13 Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga
ndikazvininipisa nokutsanya.
Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro,
14 ndakafamba-famba ndichichema
kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu.
Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema,
sokunge ndinochema mai vangu.
15 Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara;
varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi.
Vakandireva vasingaregi.
16 Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo;
vakandirumanyira meno avo.
17 Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira?
Nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo,
noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.
18 Ndichakuvongai paungano huru;
ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.
 
19 Ngavarege kufara pamusoro pangu
avo vanondivenga ndisina mhosva;
vanondivenga ndisina mhosva
ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.
20 Havatauri norugare,
asi vanofunga kupomera mhosva
pamusoro pavanogara norunyararo munyika.
21 Vanondishamira miromo yavo vachiti,
“Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.”
 
22 Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara.
Regai kuva kure neni, imi Ishe.
23 Mukai uye simukai mundirwire!
Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu.
24 Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu;
musarega vachifara pamusoro pangu.
25 Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro,
ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.”
 
26 Vose vanofarira kutambudzika kwangu
ngavanyadziswe uye vanyonganiswe;
vose vanozvisimudzira pamusoro pangu
ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa.
27 Vose vanofarira kururamisirwa kwangu
ngavapembere nomufaro nokufarisisa;
ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe,
iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.”
 
28 Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu,
uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.