Pisarema 36
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha.
Shoko riri mumwoyo mangu
pamusoro pokutadza kweakaipa rinoti:
Hakuna kutya Mwari
pamberi pake.
 
Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake,
zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake.
Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera;
haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka.
Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa;
anozvifambisa panzira yezvakaipa
uye haarambi chakaipa.
 
Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga,
kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.
Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru,
kururamisira kwenyu sepakadzika dzika.
Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka.
Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei!
Vose vakuru navaduku pakati pavanhu
vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.
Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu;
munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza.
Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu;
muchiedza chenyu tinoona chiedza.
 
10 Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai,
uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama.
11 Rutsoka rwounozvikudza ngarurege kusvika kwandiri,
kunyange ruoko rweakaipa ngarurege kundidzingira kure.
12 Tarirai vaiti vezvakaipa kuti vawa sei,
vakandwa pasi, havagoni kumuka.