Pisarema 47
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.
Uchirai maoko, imi vanhu vose;
pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.
 
Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei,
iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!
Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu,
marudzi pasi petsoka dzedu.
Akatitsaurira nhaka yedu,
iyo pfuma yaJakobho, waakada.
Sera
 
Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro,
Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.
Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.
Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.
 
Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose;
muimbirei pisarema rokurumbidza.
Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose;
Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.
Makurukota amarudzi aungana
savanhu vaMwari waAbhurahama,
nokuti madzimambo enyika ndeaMwari;
iye anokudzwa zvikuru kwazvo.