Pisarema 48
Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.
Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo,
muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
 
Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose.
Sokumusoro-soro kweZafoni,
ndizvo zvakaita Gomo reZioni,
guta raMambo Mukuru.
Mwari ari munhare dzaro;
akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.
 
Madzimambo akati abatanidza mauto,
vakati vafamba pamwe chete kundorwa,
vakariona vakashamiswa;
vakatiza nokutya.
Vakabatwa nokudedera ipapo,
nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi,
zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.
 
Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona,
muguta raJehovha Wamasimba Ose,
muguta raMwari wedu:
Mwari anorisimbisa nokusingaperi.
Sera
 
Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari,
tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.
10 Sezvakaita zita renyu, imi Mwari,
kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika;
ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
11 Gomo reZioni rinofarisisa,
misha yeJudha inofara
nokuda kwokutonga kwenyu.
 
12 Famba-fambai muZioni, ripoteredzei,
verengai shongwe dzaro,
13 fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro,
cherechedzai nhare dzaro,
kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.
 
14 Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri;
iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.