Pisarema 49
Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema.
Inzwai izvi, imi vanhu mose;
teererai imi mose mugere panyika,
vapasi navapamusoro,
vapfumi navarombo pamwe chete.
Muromo wangu uchataura nouchenjeri;
kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.
Ndicharerekera nzeve yangu kuchirahwe;
nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.
 
Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya,
kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,
vaya vanovimba nepfuma yavo
vanozvikudza nepfuma yavo zhinji?
Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe
kana kupa Mwari rudzikinuro rwake,
rudzikinuro rwoupenyu runokosha,
hakuna muripo unoringana nahwo,
kuti ararame nokusingaperi
uye kuti asaona kuora.
 
10 Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa;
mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa,
uye vanosiyira vamwe pfuma yavo.
11 Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi,
nougaro hwavo kusvikira kuzvizvarwa zvisingaperi,
kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo.
 
12 Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari;
akafanana nemhuka dzinofa.
 
13 Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita,
namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura.
Sera
14 Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva,
uye rufu ruchavadya.
Vakarurama vachavatonga mangwanani;
chimiro chavo chichaora murinda,
kure nedzimba dzavo dzoumambo.
15 Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva,
zvirokwazvo achanditora iye.
Sera
 
16 Usanyanya kutya kana munhu apfuma,
kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;
17 nokuti haana chaachatora paanofa;
kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.
18 Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa,
uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,
19 achabatana norudzi rwamadzibaba ake,
vasingazoonizve chiedza choupenyu.
 
20 Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi
akaita semhuka dzinofa.