Pisarema 55
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi.
Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari;
regai kushaya hanya nokukumbira kwangu;
ndinzwei, uye ndipindureiwo.
Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana,
pandinonzwa inzwi romuvengi wangu,
pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu,
uye vanondituka mukutsamwa kwavo.
 
Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu;
kutyisa kworufu kunondiwira.
Kutya nokudedera zvakandibata;
kutya kukuru kwakandifukidza.
Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva!
Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu,
ndaitizira kure kwazvo,
ndikandogara mugwenga;
Sera
ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu,
kure nemafungu nedutu.”
 
Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo,
nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.
10 Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire;
utsinye nokumanikidza zviri mukati maro.
11 Masimba okuparadza azere muguta;
kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.
 
12 Dai ndatukwa nomuvengi,
ndaigona kushinga hangu;
dai muvengi aindimukira,
ndaigona kumuvanda hangu.
13 Asi ndiwe, munhu akaita seni,
mumwe wangu, shamwari yangu yapedyo,
14 yandaimbofarira kuwadzana nayo
pataifamba navazhinji mumba maMwari.
 
15 Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri;
ngavaburukire muguva vari vapenyu,
nokuti kuipa kwakawana pokugara pakati pavo.
 
16 Asi ini ndinodana kuna Mwari,
uye Jehovha anondiponesa.
17 Madekwana, mangwanani namasikati
ndinochema mukushushikana,
uye iye anonzwa inzwi rangu.
18 Anondidzikinura ndisina kukuvara
kubva pahondo inondirwisa,
kunyange zvazvo vazhinji vachindipikisa.
19 Mwari, agere pachigaro choushe nokusingaperi,
achavanzwa agovaninipisa,
Sera
ivo vanhu vasingamboshanduri nzira dzavo,
uye vasingatyi Mwari.
 
20 Mumwe wangu anorova shamwari dzake;
anoputsa sungano yake.
21 Mutauro wake unotsvedzerera samafuta,
asi kurwa kuri mumwoyo make;
mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta,
asi minondo yakavhomorwa.
 
22 Kanda kufunganya kwako pana Jehovha
uye iye achakusimbisa;
haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.
23 Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi
mugomba rokuora;
vanhu vanokarira ropa navanyengeri
havangararami hafu yamazuva avo.
 
Asi kana ndirini, ndinovimba nemi.