Pisarema 56
Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva paMiouki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati.
Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha;
zuva rose vanorwa neni.
Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose;
vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.
 
Pandinenge ndotya,
ndichavimba nemi.
Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,
muna Mwari ndinovimba; handichazotyi.
Ko, munhu anofa angandiitei?
 
Zuva rose vanomonyorora mashoko angu;
vanogara vachirangana kundikuvadza.
Vanorangana, vanovandira,
vanocherechedza mafambiro angu,
vachishuva kundiuraya.
 
Ngavasapunyuka savasina mhaka;
koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.
Nyorai kuchema kwangu;
isai misodzi yangu parugwaro rwenyu,
ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?
 
Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure
pandinodanidzira kuti ndibatsirwe.
Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
10 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,
muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,
11 muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu.
Ko, munhu angandiitei?
 
12 Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari;
ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.
13 Nokuti makandirwira parufu,
uye netsoka dzangu pakugumburwa,
kuti ndifambe pamberi penyu
muchiedza choupenyu.