Pisarema 60
Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo e“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimu neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu.
Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa;
makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!
Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati;
gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.
Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma;
makatipa waini inotidzedzeresa.
 
Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza
kuti urege kupfaranyurwa neuta.
Sera
 
Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi,
kuti avo vamunoda varwirwe.
Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti:
“Ndichaganhura Shekemu nesimba
uye ndichayera Mupata weSukoti.
Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu;
Efuremu inguwani yangu yakasimba,
Judha itsvimbo yangu.
Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira,
pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu;
pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.”
 
Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa?
Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu?
10 Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here,
uye mukarega kubuda nehondo dzedu?
11 Tibatsirei pavavengi vedu,
nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo.
12 NaMwari wedu, tichakunda,
uye achatsikira vavengi vedu pasi.