Pisarema 59
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro anoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye.
Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari;
Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.
Ndirwirei pavaiti vezvakaipa,
uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.
 
Tarirai kundivandira kwavakaita!
Vanhu vanotyisa vanondirangana
pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.
Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa.
Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!
Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri,
mukai murange ndudzi dzose;
musanzwira ngoni vakaipa navapanduki.
Sera
 
Vanodzoka madekwana,
vachihonʼa sembwa,
uye vachinyahwaira muguta.
Onai zvavanorutsa mumiromo yavo:
vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo,
uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”
Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka;
munodadira ndudzi dzose.
 
Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai;
imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu, 10 Mwari anondida
 
achanditungamirira
uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.
11 Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu,
zvimwe vanhu vangu vangakanganwa.
Musimba renyu itai kuti vadzungaire,
uye muvaderedze.
12 Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo,
nokuda kwamashoko emiromo yavo,
ngavabatwe pakuzvikudza kwavo.
Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,
13 vaparadzei nehasha dzenyu,
vaparadzei kusvikira vapera.
Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika
kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho.
Sera
 
14 Vanodzoka madekwana,
vachihonʼa sembwa,
uye vachinyahwaira muguta.
15 Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya,
uye vanohuhudza kana vasina kuguta.
16 Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu,
ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani;
nokuti imi muri nhare yangu,
utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.
 
17 Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokukurumbidzai;
imi, Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.