Pisarema 62
Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.
Mweya wangu unozorora muna Mwari oga;
ruponeso rwangu runobva kwaari.
Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu;
ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.
 
Muchasvika kupiko muchingorova munhu?
Ko, imi mose muchamukanda pasi here,
iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?
Vanofunga kwazvo zvokumuwisira
pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira;
vanofarira nhema.
Vanoropafadza nemiromo yavo,
Asi vachituka mumwoyo yavo.
Sera
 
Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga;
tariro yangu inobva kwaari.
Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu;
ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.
Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari;
ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.
Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;
dururai mwoyo yenyu kwaari,
nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu.
Sera
 
Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo,
asi vanokudzwa inhema bedzi;
kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu;
vose pamwe chete vanongova mweya.
10 Regai kuvimba noupambi
kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba;
kunyange pfuma yenyu ichiwanda,
regai kuisa mwoyo yenyu pairi.
 
11 Chinhu chimwe chakataurwa naMwari,
zvinhu zviviri zvandakanzwa:
Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,
12 uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo.
Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe
maererano nezvaakaita.