Pisarema 63
Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha.
Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu,
ndinokutsvakai nomwoyo wose;
mwoyo wangu une nyota kwamuri,
muviri wangu unokupangai,
munyika yakaoma
uye yasakara isina mvura.
 
Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene,
uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.
Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu,
miromo yangu ichakurumbidzai.
Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu,
uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu.
Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo;
muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo.
 
Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu;
ndinokufungai panguva dzose dzousiku.
Nokuti muri mubatsiri wangu,
ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu.
Mweya wangu unonamatira kwamuri;
ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
 
Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa;
vachaburukira kwakadzika kwepasi.
10 Vachaiswa kumunondo
vagova zvokudya zvamakava.
 
11 Asi mambo achafara muna Mwari;
vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza,
asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.