Pisarema 65
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.
Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni;
kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.
Haiwa, imi munonzwa munyengetero,
vanhu vose vachauya kwamuri.
Patakanga takafukidzwa nezvivi,
makakanganwira kudarika kwedu.
Vakaropafadzwa avo vamunosarudza
navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu!
Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu,
zvetemberi yenyu tsvene.
 
Munotipindura namabasa okururama anotyisa,
imi Mwari Muponesi wedu,
tariro yemigumo yepasi pose
namakungwa ari kure kure,
iyemi makaumba makomo nesimba renyu,
makazvishongedza nesimba,
iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa,
iko kutinhira kwamafungu aro,
nokupopota kwendudzi.
Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu;
uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera,
munodanidzira nziyo dzomufaro.
 
Mune hanya nenyika uye munoidiridza;
munoipfumisa kwazvo.
Hova dzaMwari dzizere nemvura
kuti dzivigire vanhu zviyo,
nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.
10 Munozadza mihoronga yacho nemvura,
uye munoenzanisa mihomba yacho;
munoinyorovesa nemvura inopfunha
munoropafadza zvibereko zvayo.
11 Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu,
uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.
12 Uswa hwomurenje hwopfachukira;
zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.
13 Mafuro azara namapoka emakwai,
uye mipata yafukidzwa nezviyo;
zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.