Pisarema 64
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu;
dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi.
Ndivanzei pakurangana kwavakaipa,
ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa.
 
Vanorodza ndimi dzavo seminondo,
uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya.
Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva;
vanomupfura pakarepo, vasingatyi.
 
Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa,
vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti,
“Ndianiko achaiona?”
Vanorangana kusaruramisira vachiti,
“Tafunga zano rakakwana!”
Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera.
 
Asi Mwari achavapfura nemiseve;
pakarepo vachawira pasi.
Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire,
uye achavaisa pakuparadzwa;
vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka.
 
Marudzi ose avanhu achatya;
achaparidza mabasa aMwari,
uye achafungisisa zvaakaita.
10 Vakarurama ngavafare muna Jehovha
uye vavande maari;
vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze!