Pisarema 70
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro.
Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari;
Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire.
 
Vanotsvaka upenyu hwangu
ngavanyadziswe uye vakanganiswe;
vose vanofarira kuparara kwangu
ngavadzorwe shure vanyare.
Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!”
ngavadzorerwe shure nokuda kwenyadzi dzavo.
Asi vose vanokutsvakai
ngavafare nokufarisisa mamuri;
vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti,
“Mwari ngaakudzwe!”
 
Asi ndiri murombo nomushayiwi;
uyai nokukurumidza kwandiri, imi Mwari.
Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu;
Haiwa Jehovha, musanonoka.