Pisarema 71
Ndinovanda mamuri, imi Jehovha;
ngandirege kutongonyadziswa.
Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu;
rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese.
Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda;
rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
Haiwa Mwari wangu, ndirwirei, paruoko rwowakaipa,
pakubatwa navanhu vakaipa uye vane utsinye.
 
Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha,
ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu.
Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu;
ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu.
Ndicharamba ndichikurumbidzai.
Ndava sechishamiso kuvazhinji,
asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.
Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu,
ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose.
 
Regai kundirasa pandinenge ndakwegura;
musandisiya kana simba rangu rapera.
10 Nokuti vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu;
avo vakamirira kundiuraya vanorangana pamwe chete.
11 Vanoti, “Mwari amusiya;
muteverei mumubate,
nokuti hakuna achamununura.”
12 Regai kuva kure neni, imi Mwari;
uyai nokukurumidza, imi Mwari wangu, mundibatsire.
13 Vapomeri vangu ngavaparare vanyadziswe;
vaya vanoda kundikuvadza
ngavafukidzwe nokusekwa nokunyadziswa.
 
14 Asi kana ndirini, ndichagara ndine tariro;
ndicharamba ndichikurumbidzai zvakanyanya.
 
15 Muromo wangu uchareva zvokururama kwenyu,
nezvoruponeso rwenyu zuva rose,
kunyange ndisingazivi chiyero charwo.
16 Ndichauya ndichiparidza mabasa enyu makuru, imi Ishe Jehovha;
ndichaparidza kururama kwenyu, iyemi moga.
17 Kubva pauduku hwangu, imi Mwari, makandidzidzisa,
nanhasi uno ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa.
18 Kunyange pandinenge ndakwegura uye bvudzi rachena,
musandisiya, imi Mwari,
kusvikira ndaparidza simba renyu kurudzi runotevera,
nesimba renyu kuna vose vari kuzouya.
 
19 Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari,
iyemi makaita zvinhu zvikuru.
Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi?
20 Kunyange imi makandiratidza matambudziko mazhinji uye anorwadza,
muchadzosa upenyu hwangu zvakare;
kubva kwakadzika kwepasi
muchandibudisazve.
21 Muchawedzera kukudzwa kwangu,
uye muchandinyaradzazve.
 
22 Ndichakurumbidzai nembira
nokuda kwokutendeka kwenyu, imi Mwari wangu;
ndichakurumbidzai nenziyo nomutengeranwa,
imi Mutsvene woga waIsraeri.
23 Miromo yangu ichadanidzira nomufaro
pandinokurumbidzai nenziyo,
iyeni, wamakadzikinura.
24 Rurimi rwangu ruchataura nezvamabasa enyu akarurama
zuva rose,
nokuti avo vaida kundikuvadza
vanyadziswa uye vakanganiswa.