Pisarema 8
Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi.
Haiwa Jehovha, Ishe wedu,
zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!
 
Makaisa kubwinya kwenyu
kudenga kumusoro.
Pamiromo yavana navacheche
makaisa rumbidzo
nokuda kwavavengi venyu,
kuti munyaradze muvengi nomutsivi.
 
Kana ndichifunga nezvamatenga enyu,
iro basa reminwe yenyu,
mwedzi nenyeredzi,
zvamakarongedza panzvimbo yazvo,
munhu chiiko zvamunomufunga,
kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?
Makamuita muduku zvishoma pana Mwari,
uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
 
Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu;
mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:
makwai ose nemombe,
nemhuka dzesango,
neshiri dzedenga,
nehove dzegungwa,
zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.
 
Haiwa Jehovha, Ishe wedu,
zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!