Pisarema 7
Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini.
Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri;
ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,
kuti varege kundibvambura seshumba
nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.
 
Haiwa Jehovha, Mwari wangu,
kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,
kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni
kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,
ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate;
ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu
uye andivatise muguruva.
 
Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu;
simukai murwise hasha dzavavengi vangu.
Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.
Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai.
Vatongei imi muri kumusoro;
Jehovha ngaatonge marudzi.
Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu,
zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.
Haiwa, Mwari akarurama,
iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo,
gumisai kuita nesimba kwavakaipa
mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.
 
10 Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro,
iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.
11 Mwari ndiye mutongi akarurama,
iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.
12 Kana munhu asingatendeuki,
iye acharodza munondo wake;
achakunga uta hwake agogadzirira.
13 Agadzirira zvombo zvake zvinouraya;
anozvigadzirira miseve yake inopisa.
 
14 Iye ane mimba yezvakaipa
akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.
15 Uyo anochera gomba,
akaridzikisa achawira mugomba raachera.
16 Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake;
uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.
 
17 Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake,
uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.