Pisarema 81
Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi.
Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu;
danidzirai kuna Mwari waJakobho!
Vambai rwiyo, muridze tambureni,
ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.
 
Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi,
uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;
ichi ndicho chirevo chaIsraeri,
chakatarwa naMwari waJakobho.
Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa
panguva yaakandorwa neIjipiti,
uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.
 
Iye anoti, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo;
maoko avo akasunungurwa padengu.
Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura,
ndakakupindura ndiri mugore rokutinhira;
ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha.
Sera
 
“Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai,
kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!
Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa,
musapfugamira mwari wokumwe.
10 Ndini Jehovha Mwari wako,
akakubudisa kubva munyika yeIjipiti.
Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.
 
11 “Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa,
Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.
12 Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo,
kuti vatevere mano avo.
 
13 “Kana vanhu vangu vakada kunditeerera,
kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,
14 ndaikurumidza kukunda sei vavengi
vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu!
15 Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake,
uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.
16 Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka;
uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.”