Pisarema 82
Pisarema raAsafi.
Mwari anogara paungano huru;
anotonga pakati pa“vamwari” achiti,
 
“Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama
uye muchisanangura vanhu vakaipa?
Sera
Tongai mhaka dzavasina simba nenherera;
chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.
Nunurai vasina simba navanoshayiwa;
varwirei paruoko rwowakaipa.
 
“Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa.
Vanongofamba-famba murima;
nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.
 
“Ndakati, ‘Muri vamwari;
imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’
Asi muchafa savanhuwo zvavo;
muchawa savatongi vose.”
 
Simukai, imi Mwari, mutonge nyika,
nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.