Pisarema 96
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;
imbirai Jehovha, nyika yose.
Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake;
paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi,
namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.
 
Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa,
iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,
asi Jehovha akaita matenga.
Kubwinya noumambo zviri pamberi pake;
simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.
 
Remekedzai Jehovha, imi ndudzi dzose,
ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha.
Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;
uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake.
Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake;
dederai pamberi pake, imi nyika dzose.
 
10 Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.”
Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi;
uye achatonga marudzi nokururama.
11 Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise;
gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri;
12 masango ngaafare, nezvose zviri maari.
Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro;
13 ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya,
anouya kuzotonga nyika.
Achatonga nyika nokururama,
uye vanhu nechokwadi chake.