Pisarema 97
Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare;
zviwi zviri kure ngazvifare.
 
Makore nerima guru zvakamukomberedza;
kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
Moto unoenda mberi kwake
uchipisa vavengi vake kumativi ose.
Mheni yake inovhenekera pasi;
nyika inozviona igodedera.
Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha,
pamberi paIshe wenyika yose.
Kudenga denga kunoparidza kururama kwake,
uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.
 
Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa,
avo vanozvirumbidza nezvifananidzo,
munamatei, imi vamwari vose!
 
Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.
Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose;
makasimudzirwa kupfuura vamwari vose.
 
10 Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa,
nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka
uye anovarwira muruoko rwowakaipa.
11 Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama,
nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama.
12 Farai muna Jehovha, imi vakarurama,
uye mukudze zita rake dzvene.