Pisarema 98
Pisarema.
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,
nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;
ruoko rwake rworudyi nechanza chake
chitsvene zvakamukundisa.
Jehovha akazivisa ruponeso rwake
uye akaratidza kururama kwake kundudzi,
Akarangarira rudo rwake
nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri;
migumo yose yenyika yakaona
ruponeso rwaMwari wedu.
 
Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose,
imbai nziyo mupembere nomufaro;
imbirai Jehovha nembira,
nembira nenzwi rokuimba,
nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe,
danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.
 
Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri,
nenyika, navose vanogaramo.
Nzizi ngadziuchire maoko adzo,
makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;
ngaaimbe pamberi paJehovha,
nokuti anouya kuzotonga nyika.
Achatonga nyika zvakarurama
navanhu nokururamisira.