26
Vachengeti veMikova
Mapoka avachengeti vemikova aiva:
 
Kubva kuvaKora:
Mesheremia mwanakomana waKore, mumwe wavanakomana vaAsafi. Mesheremia aiva navanakomana vaiti:
Zekaria dangwe, Jedhiaeri wechipiri,
Zebhadhia wechitatu, Jatinieri wechina,
Eramu wechishanu, Jehohanani wechitanhatu,
naEriehoenai wechinomwe.
Obhedhi-Edhomu aivawo navanakomana vaiti:
Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wechipiri,
Joa wechitatu, Sakari wechina,
Netaneri wechishanu, Amieri wechitanhatu,
Isakari wechinomwe naPeuretai wechisere.
(Nokuti Mwari akanga aropafadza Obedhi-Edhomu.)
Mwanakomana wake Shemaya aivawo navanakomana vaiva: vatungamiri mumhuri yababa vavo nokuti vaiva varume vaikwanisa kwazvo. Vanakomana vaShemaya vaiti:
Otini, Refaeri, Obhedhi naErizabhadhi;
hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa.
Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu. Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete.
Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete.
 
10 Hosa muMerati aiva navanakomana vaiti:
Shimiri wokutanga (kunyange zvake akanga asiri dangwe, baba vake vakamuita wokutanga.)
11 Hirikia wechipiri, Tabharia wechitatu
naZekaria wechina.
Vanakomana nehama dzaHosa vaiva gumi navatatu vose pamwe chete.
 
12 Aya mapoka avachengeti vamasuo, kubudikidza navakuru vavo, vaiva nemabasa okushumira mutemberi yaJehovha, sezvaingoitawo hama dzavo. 13 Mijenya yakakandwa nokuda kwesuo rimwe nerimwe, maererano nemhuri dzavo, vadiki nevakuru pamwe chete.
14 Mujenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia.
Zvino mijenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari.
15 Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obhedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake.
16 Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reShareketi kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa.
 
Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi.
17 Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva,
kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva,
zasi kuine vana pazuva
uye vaviri panguva imwe chete padura.
18 Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo.
 
19 Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.
Vabati veHomwe yeMari naMamwe Machinda
20 Pakati pehama dzavo vaRevhi, Ahija ndiye aiva mukuru wavachengeti vepfuma yomumba yaMwari nepfuma yezvinhu zvakakumikidzwa.
21 Zvizvarwa zvaRadhani, avo vaiva vaGerishoni kubudikidza naRadhani uye vaiva vatungamiri vemhuri dzaRadhani muGerishoni vaiti: Jehieri, 22 vanakomana vaJeheri, Zetami, nomununʼuna wake Joere. Vaiva nebasa rokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha.
 
23 Kubva kuvaAmiramu, vaIzhari, vaHebhuroni navaUzieri:
 
24 Shubhaeri chizvarwa chaGerishoni mwanakomana waMozisi, ndiye aiva mukuru pakuchengetwa kwepfuma. 25 Hama dzake kubudikidza naEriezeri dzaiva: Rehabhia mwanakomana wake, Jeshaya mwanakomana wake, Joramu mwanakomana wake, Zikiri mwanakomana wake naSheromiti mwanakomana wake.
26 (Sheromiti nehama dzake vaiva nebasa rokuchengetedza pfuma yose yezvinhu zvakakumikidzwa naMambo Dhavhidhi, navakuru vemhuri dzavo vaiva vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana uye navamwe vatungamiri. 27 Zvimwe zvezvakapambwa muhondo vakazvikumikidza kuti zvishandiswe pakugadziridza temberi yaJehovha. 28 Uye zvose zvakakumikidzwa naSamueri muoni naSauro naJoabhu mwanakomana waZeruya, nezvimwe zvinhu zvose zvakakumikidzwa zvaichengetwa naSheromiti nehama dzake.)
29 Kubva kuvaIzhari:
Kenania navanakomana vake vakapiwa mabasa ekure netemberi vari machinda navatongi muIsraeri.
30 Kubva kuvaHebhuroni:
Hashabhia nehama dzake, varume chiuru namazana manomwe vaikwanisa ndivo vaiva vakuru muIsraeri kumadokero kweJorodhani pabasa rose raJehovha napabasa rose ramambo. 31 Kana vari vaHebhuroni, Jeria ndiye aiva mukuru wavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo dzemhuri dzavo.
(Mugore ramakumi mana rokutonga kwaDhavhidhi, pakaitwa ongororo yezvinyorwa zvenhoroondo, uye pakawanikwa varume vaikwanisa pakati pavaHebhuroni paJazeri muGireadhi. 32 Jeria aiva nehama zviuru zviviri namazana manomwe vaiva varume vaikwanisa uye vari vakuru vemhuri dzavo, uye Mambo Dhavhidhi akavaita kuti vave vatariri vavaRubheni, vaGhadhi, nehafu yorudzi rwaManase kuti vagadzirise nyaya dzose dzezvaMwari nenyaya dzose dzamambo.)