27
Mapoka eHondo
Aya ndiwo mazita avaIsraeri, vakuru vemhuri, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, namachinda avo, vaishandira mambo mune zvose pamusoro pamapoka avarwi ainge ari pabasa mwedzi nomwedzi mugore rose. Boka rimwe nerimwe raiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
 
Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Aiva chizvarwa chaPerezi uyewo ari mukuru wavakuru vavavarwi vose mumwedzi wokutanga.
Aitungamirira boka remwedzi wechipiri ainzi Dhodhai muAhohi; Mikiroti ndiye aiva mutungamiri weboka rake. Muboka rake maiva nezviuru makumi maviri nezvina.
Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake.
Wechina pamwedzi wechina, aiva Asaheri mununʼuna waJoabhu; mwanakomana wake Zebhadhia ndiye akamutevera pakutungamirira boka iri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Wechitanhatu pamwedzi wechitanhatu, aiva Ira mwanakomana waIkeshi muTeko. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
10 Wechinomwe pamwedzi wechinomwe, aiva Herezi muPeroni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
11 Worusere, pamwedzi worusere, aiva Sibhekai muHushati muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
12 Wechipfumbamwe, mumwedzi wechipfumbamwe, aiva Abhiezeri muAnatoti, muBhenjamini. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
13 Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
14 Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Bhenaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
15 Wegumi navaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, aiva Heridhai muNetofati, aibva mumhuri yaOtinieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
Machinda aMarudzi
16 Machinda pamusoro pamarudzi aIsraeri aiti:
 
pamusoro pavaRubheni: Eriezeri mwanakomana waZikiri;
pamusoro pavaSimeoni: Shefatia mwanakomana waMaaka;
17 pamusoro paRevhi: Hashabhia mwanakomana waKemueri;
pamusoro paAroni: Zadhoki;
18 pamusoro paJudha: Erihu, mununʼuna waDhavhidhi;
pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;
19 pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia;
pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri;
20 pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanakomana waAzazia;
pamusoro pehafu yorudzi rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya;
21 pamusoro pehafu yorudzi rwaManase muGireadhi: Idho mwanakomana waZekaria;
pamusoro paBhenjamini: Jaasieri mwanakomana waAbhineri;
22 pamusoro paDhani: Azareri mwanakomana waJerohamu.
 
Ava ndivo vaiva machinda pamusoro pamarudzi avaIsraeri.
 
23 Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga. 24 Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga varume ava asi haana kuzopedza. Kutsamwa kwakauya pamusoro peIsraeri nokuda kwokuverengwa uku, saka uwandu uhu hahuna kuiswa mubhuku renhoroondo dzegore negore raMambo Dhavhidhi.
Vatariri vaMambo
25 Azimavheti mwanakomana waAdhieri aiva muchengeti wamatura amambo.
Jonatani mwanakomana waUzia aiva muchengeti wamatura kumaruwa okure, mumaguta, mumisha neshongwe dzavarindi.
26 Eziri mwanakomana waKerubhi aiva mutariri pamusoro wavashandi vairima minda.
27 Shimei muRamati aiva mutariri weminda yemizambiringa.
Zabhidhi muShifimi aiva mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa zvokuzoisa muzvirongo zvewaini.
28 Bhaari-Hanani muGedheri aiva mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri mujinga mezvikomo zvokumadokero.
Joashi aiva mutariri wamafuta omuorivhi.
29 Shitirai muSharoni, aiva mutariri wemombe dzaifura muSharoni.
Shafati mwanakomana waAdhirai ndiye aiva mutariri wemombe dzaiva mumipata.
30 Obhiri muIshumaeri aiva mutariri wengamera.
Jedheya muMeronoti aiva mutariri wembongoro.
31 Jazizi muHagiri aiva mutariri wamakwai.
Ava ndivo vaiva vabati vaichengeta pfuma yaMambo Dhavhidhi.
 
32 Jonatani, babamunini vaDhavhidhi vaiva mupi wamazano, murume woruzivo nomunyori.
Jehieri mwanakomana waHakimoni aiva muchengeti wavanakomana vamambo.
33 Ahitoferi aiva mupi wamazano kuna mambo.
Hushai muAriki aiva shamwari yamambo.
34 (Ahitoferi akazoteverwa pachinzvimbo naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uye naAbhiatari.)
Joabhu ndiye aiva mutungamiri wehondo yamambo.