RWIYO RUKURU RWASOROMONI
1
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:
Mukadzi
Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake.
Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.
Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza;
zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa.
Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!
Nditorei muende neni, ngatikurumidzei.
Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati.
Shamwari
Tinokupembererai uye tinokufarirai;
ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini.
Mukadzi
Regai zvenyu mhandara dzikudei!
 
Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu,
vanasikana veJerusarema,
ndakasviba samatende eKedhari,
sezvidzitiro zvetende raSoromoni.
Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu,
nokuti ndakasvibiswa nezuva.
Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira
vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa;
munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako
nokwaunozorodzera makwai ako masikati.
Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake
pedyo namakwai eshamwari dzako?
Shamwari
Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe,
chitevera makwara amakwai
ugondofudzira mbudzana dzako
pedyo namatende avafudzi.
Murume
Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa
pane imwe yengoro dzaFaro.
10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete,
mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.
11 Tichakugadzirira mhete
dzenzeve dzegoridhe nesirivha.
Mukadzi
12 Mambo paakanga agere patafura yake,
munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.
13 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura
kanogara pakati pamazamu angu.
14 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena
anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.
Murume
15 Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu!
A-a, wakazonaka!
Meso ako injiva chaidzo!
Mukadzi
16 Wakanaka sei, mudiwa wangu!
A-a, unofadza!
Uye mubhedha wedu wakasvibira.
Murume
17 Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari;
mbariro dzacho ndedzomupaini.