2
Mukadzi
Ndiri ruva reSharoni,
ruva romumipata.
Murume
Seruva riri pakati peminzwa,
ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara.
Mukadzi
Somuti womuapuro pakati pemiti yesango,
ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya.
Ndinofarira kugara mumumvuri wake,
uye muchero wake unondinakira kuudya.
Akaenda neni kuimba yamabiko,
uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.
Ndisimbise namazambiringa akaomeswa,
ndisimbise namaapuro;
nokuti ndoziya norudo.
Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,
uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.
Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai
nemhara uye nenondo dzesango:
Musazunguza kana kumutsa rudo
kusvikira irwo rwada rwoga.
 
Inzwai! Inzwi romudiwa wangu!
Tarirai! Hoyo
ouya achiuruka nomumakomo,
achikwakuka nomuzvikomo.
Mudiwa wangu akafanana nemhara
kana netsvana yenondo.
Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu,
akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.
10 Mudiwa wangu akataura kwandiri akati,
“Simuka, mudiwa wangu,
iwe munakunaku wangu, uya tiende tose.
11 Tarira! Nguva yechando yapera;
mvura yapera; uye haichanayi.
12 Maruva oonekwa panyika;
nguva yokuimba yasvika,
kurira kwenjiva
kwonzwikwa munyika yedu.
13 Muonde wobereka michero yawo yokutanga;
uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo.
Simuka, uya, mudiwa wangu;
munakunaku wangu, uya tiende tose.”
Murume
14 Njiva yangu iri mumikaha yedombo,
munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo,
ndiratidze chiso chako,
ndinoda kunzwa inzwi rako;
nokuti inzwi rako rinotapira,
uye chiso chako chinoyevedza.
15 Tibatirei makava,
ivo vana vemakava
anoparadza minda yemizambiringa,
iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.
Mudiwa
16 Mudiwa wangu ndewangu uye ndiri wake;
anofamba-famba pakati pamaruva omubani.
17 Kusvikira zuva rabuda
uye mimvuri yatiza,
pinduka, mudiwa,
ubve waita semhara
kana tsvana
pamusoro pezvikomo.