4
Murume
Wakanaka sei, mudiwa wangu!
A, wakazonaka!
Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo.
Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi
riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.
Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa,
ari kubva kundoshambidzwa.
Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro,
pasina rimwe riri roga zvaro.
Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku;
muromo wako wakaisvonaka.
Zvavovo zvako zviri mumumbure wako
zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi
yakavakwa zvinoyevedza.
Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru,
dzose dziri nhoo dzemhare.
Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara,
mapatya emhara
dzinofura pamwe chete pakati pemaruva.
Kusvikira zuva rabuda
uye mimvuri yotiza,
ndichaenda kugomo remura
nokuchikomo chezvinonhuhwira.
Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu;
mauri hamuna kana chinongo.
 
Ngatibvei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu,
ngatibvei tose kuRebhanoni.
Buruka kubva pamusoro-soro peAmana,
kubva pamusoro peSeniri,
pamusoro-soro peHerimoni,
kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.
Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu;
wanditora mwoyo
nokungondiringa kwawaita kamwe chete,
uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.
10 Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu!
Rudo rwako runofadza sei kukunda waini,
uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzora
kunokunda zvose zvinonhuhwira.
11 Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu;
uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako.
Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.
12 Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu.
Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa.
13 Miti yako ibindu ramatamba
nemimwe michero yakaisvonaka,
hena nenaridhi,
14 naridhi nesafuroni,
karamusi, nesinamoni,
nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira
nemura negavakava,
uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa.
15 Uri chitubu chomubindu,
tsime remvura inoerera,
inoerera ichibva kuRebhanoni.
Mukadzi
16 Muka, iwe mhepo yokumusoro,
uye uya iwe mhepo yezasi!
Vhuvhuta napabindu rangu
kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose.
Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake,
agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.