3
Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu
ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu;
ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta,
mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro;
ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu.
Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
Varindi vakandiona
pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.
“Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”
Ndichingopfuudzana navo
ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu.
Ndakamubata ndikasamuregedza
kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu,
kuimba yaavo vakandibereka.
Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai
nemhara kana nenondo dzesango kuti:
Musazunguza kana kumutsa rudo
kusvikira irwo rwada rwoga.
Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje
seshongwe youtsi
ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira
zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?
Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni,
yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda,
apamusoro-soro omuIsraeri.
Mumwe nomumwe wavo akabata munondo
vose vakarwa hondo,
mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake,
vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.
Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro;
akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.
10 Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha,
pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe.
Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru,
mukati mayo makashongedzwa norudo
navanasikana veJerusarema.
11 Budai imi vanasikana veZioni,
muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona,
korona yaakapfekedzwa namai vake
musi wesvitsa,
zuva iro mwoyo wake wakafara.