13
“Meso angu akaona izvi zvose,
nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.
Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva;
handisi muduku kwamuri.
Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose
uye ndigozvidavirira nyaya yangu kuna Mwari.
Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema;
muri varapi vasina maturo, imi mose!
Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu!
Nokuti hungava uchenjeri kwamuri.
Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu;
teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.
Ko, mungataura zvakaipa muchimiririra Mwari here?
Ko, mungataura zvinonyengera muchiti matumwa naye here?
Mungamuitira rusaruro here?
Mungamiririra Mwari here?
Ko, zvingabuda zvakanaka here kana akakuedzai?
Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?
10 Zvirokwazvo iye angakutsiurai
kana mukaratidza rusaruro muchivande.
11 Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here?
Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?
12 Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota;
nhare dzenyu inhare dzevhu.
 
13 “Nyararai uye regai nditaure;
ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.
14 Ko, ndinozviisirei munjodzi
ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?
15 Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye;
zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.
16 Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu,
nokuti hakuna munhu asina umwari achasvika pamberi pake!
17 Teereresai kumashoko angu,
nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.
18 Zvino ndagadzirisa nyaya yangu,
ndinoziva kuti ndichashayirwa mhosva.
19 Pane angagona kundipa mhaka here?
Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu.
 
20 “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi.
Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.
21 Bvisai ruoko rwenyu rwuve kure neni,
uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.
22 Ipapo mukandidana ndichadavira.
Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.
23 Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko?
Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.
24 Munovanzireiko chiso chenyu
muchindiona somuvengi wenyu?
25 Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here?
Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?
26 Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu,
uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.
27 Munosunga tsoka dzangu nezvisungo;
munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.
 
28 “Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora,
senguo yakadyiwa nezvipfukuto.