14
“Munhu akazvarwa nomukadzi
ane mazuva mashoma azere nokutambudzika.
Anobuda seruva agosvava;
anotiza somumvuri, haagari.
Ko, munotarisisa munhu akadai here?
Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here?
Ndianiko angabudisa chinhu chakachena kubva pane chine tsvina?
Hakuna!
Mazuva omunhu akatarwa;
makatema kuwanda kwemwedzi yake,
mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika.
Naizvozvo regai kumutarisa uye mumusiye ari oga,
kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda.
 
“Asi kumuti kune tariro:
Kana ukatemwa, unobukirazve,
uye mabukira awo matsva haasvavi.
Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu
uye hunde yawo ichifa muvhu,
asi uchabukira pakunhuhwira kwemvura
ugomera somuti uchangotanga kumera.
10 Asi munhu anofa agoradzikwa pasi;
anofema kokupedzisira uye haazovapozve.
11 Sokupera kunoita mvura mugungwa,
kana kupwa nokuoma kworwizi,
12 saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki;
kusvikira matenga asisiko, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.
 
13 “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete,
uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura!
Dai chete manditarira nguva,
uye ipapo mugondirangarira!
14 Kana munhu akafa, angazoraramazve here?
Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma,
ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.
15 Muchadana uye ini ndichakupindurai;
muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.
16 Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo,
asi musingarondi chivi changu.
17 Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga;
muchafukidzira chivi changu.
 
18 “Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka,
uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro,
19 semvura inochera mabwe,
uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu,
saizvozvo munoparadza tariro yomunhu.
20 Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo;
munoshandura chiso chake mobva mamudzinga.
21 Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi;
kana vakadzikisirwa pasi, iye haazvioni.
22 Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete,
agozvichema iye pachake bedzi.”