15
Erifazi
Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
“Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here,
kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?
Ko, angakakavara namashoko asina maturo,
kana namashoko asina basa here?
Asi unotorwisa umwari
uye unodzivisa kunamata Mwari.
Chivi chako chinorunzira muromo wako;
uye unotevera rurimi rwavanyengeri.
Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu,
miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.
 
“Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here?
Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?
Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari?
Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?
Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu?
Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?
10 Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu,
varume vatochembera kupinda baba vako.
11 Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here,
iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro?
12 Ko, mwoyo wako wakurasireiko,
uye meso ako anobwairireiko,
13 zvokuti unoitira Mwari hasha
ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?
 
14 “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka,
kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama?
15 Kana Mwari akasavimba navatsvene vake,
kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
16 ko, kuzoti munhu, ane uori
uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!
 
17 “Nditeerere ndigokutsanangurira;
rega ndikuudze zvandakaona,
18 zvakataurwa navanhu vakachenjera,
vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
19 ivo voga vakapiwa nyika
pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
20 Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose,
makore ose outsinye akachengeterwa iye.
21 Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake;
pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa.
22 Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima;
munondo ndiwo waakatarirwa.
23 Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora;
anoziva kuti zuva rerima raswedera.
24 Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya;
zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa,
25 nokuti anokungira Mwari chibhakera chake
uye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
26 achimhanyira kwaari asingatyi
ane nhoo hobvu, yakasimba.
 
27 “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta
uye chiuno chake chakafuta nenyama,
28 iye achagara mumaguta akaparadzwa
nomudzimba dzisingagarwi nomunhu,
dzimba dzokoromoka kuva marara.
29 Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari,
kana nepfuma yake haingazadzi nyika.
30 Haangapunyuki rima;
murazvo uchasvavisa mabukira ake,
uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.
31 Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo,
nokuti haana chaachawana pazviri.
32 Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika,
uye matavi ake haangawandi.
33 Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva,
kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo.
34 Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko,
uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.
35 Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa;
dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”