16
Jobho
Ipapo Jobho akapindura akati:
“Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi;
mose muri vanyaradzi pasina!
Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here?
Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?
Neniwo ndaigona kutaura semi,
dai imi manga muri pachinzvimbo changu;
ndaigona kutaura mashoko okukupikisai
uye ndigokudzungudzirai musoro wangu.
Asi muromo wangu waizokukurudzirai:
kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.
 
“Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi;
uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.
Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba;
maparadza imba yangu yose.
Makandisunga ini, uye chava chapupu;
kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.
Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake,
uye anondirumanyira meno ake;
mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.
10 Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke;
vanondirova padama pakundimhura kwavo,
uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.
11 Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa,
uye akandikanda mumaoko avakashata.
12 Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna;
akandibata napahuro akandipwanya-pwanya.
Akandivavarira;
13 vapfuri vake vemiseve vakandikomba.
Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi,
uye anodururira nduru yangu pasi.
14 Nguva nenguva anondirwisa;
anondidzingirira somurwi.
 
15 “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu,
uye ndaviga huma yangu muguruva.
16 Chiso changu chatsvuka nokuchema,
rima guru rakomberedza meso angu;
17 asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba,
uye munyengetero wangu wakachena.
 
18 “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu;
kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!
19 Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga;
murevereri wangu ari kumusoro.
20 Murevereri wangu ndiye shamwari yangu,
meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;
21 anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari,
somunhu anokumbirira shamwari yake.
 
22 “Makore mashoma bedzi asara,
ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.