Pisarema 126
Rwiyo rworwendo.
Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni,
takanga tava savanhu vairota.
Miromo yedu yakanga izere nokuseka,
ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro.
Ipapo zvakanzi pakati pendudzi,
“Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”
Jehovha atiitira zvinhu zvikuru,
uye tazara nomufaro.
 
Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha,
sehova dzeNegevhi.
Avo vanodyara nemisodzi
vachakohwa nenziyo dzomufaro.
Uyo anobuda achichema,
akatakura mbeu yokudyara,
achadzoka nenziyo dzomufaro,
akatakura zvisote.